Numbers 29

Mutambo weHwamanda

1“ ‘Pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe, muite ungano tsvene uye murege kubata basa ramazuva ose. Izuva rokuti muridze hwamanda. 2Munofanira kugadzirira Jehovha chipiriso chinopiswa chehando imwe chete duku, gondobwe rimwe chete uye makwayana makono manomwe egore rimwe chete, ose asina kuremara, zvive zvinonhuhwira zvinofadza pamberi paJehovha. 3Mugadzire pamwe chete nehando duku chipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa
marita angaita 6.5, uyewo nomundima 9 ne29
yeupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa pamwe chete namafuta, negondobwe, zvikamu zviviri mugumi
marita angaita 4.5, uyewo nomundima 9 ne14
;
4pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi
marita angaita 2 uyewo nomundima 10 ne15
.
5Muisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi kuti muzviyananisire. 6Izvi zviri kupamhidzirwa pamusoro pezvipiriso zvinopiswa zvomwedzi nomwedzi, nezvezuva nezuva uye nezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa sokurongwa kwazvo. Ndizvo zvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto, zvinonhuhwira zvinofadza.

Zuva Rokuyananisira

7“ ‘Pazuva regumi romwedzi wechinomwe munofanira kuita ungano tsvene. Munofanira kuzviramba uye murege kubata basa. 8Mupe chibayiro chinopiswa chehando duku yegore rimwe chete kuna Jehovha sezvinonhuhwira zvinofadza: hando imwe chete negondobwe rimwe chete uye namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, zvisina kuremara. 9Mugadzire pamwe chete nehando, chipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondobwe, zvikamu zviviri mugumi; 10uye parimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi. 11Muisewo nhongo yembudzi sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chechivi chokuyananisira uye nechibayiro chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo, uye nezvipiriso zvazvo zvokunwa.

Mutambo waMatumba

12“ ‘Pazuva regumi namashanu romwedzi wechinomwe, muite ungano tsvene uye musaita basa ramazuva ose. Muite mutambo wokupemberera Jehovha kwamazuva manomwe. 13Muuye nechibayiro chinopiswa kuti chive chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha, chibayiro chinopiswa chehando duku gumi nenhatu, makondobwe maviri namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, ose asina kuremara. 14Mugadzire chipiriso chezvikamu zvitatu mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta pamwe chete neimwe neimwe yehando duku gumi nenhatu; pamwe chete nerimwe nerimwe ramakondobwe maviri, zvikamu zviviri mugumi, 15uye pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana gumi namana, chikamu chimwe chete mugumi. 16Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, pamusoro pechipiriso chinopiswa nechipiriso chacho chezviyo nechipiriso chokunwa.

17“ ‘Pazuva rechipiri mugadzire hando duku gumi nembiri, makondobwe maviri uye makwayana makono gumi namana egore rimwe, zvose zvisina kuremara. 18Mugadzire nehando, namakondobwe uye namakwayana, zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvinonwiwa maererano nouwandu hwakarayirwa. 19Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho uye nezvipiriso zvazvo zvokunwa.

20“ ‘Pazuva rechitatu, mugadzire hando gumi neimwe, makondobwe maviri uye namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara. 21Mugadzire pamwe chete nehando, makondobwe, uye namakwayana, zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa. 22Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.

23“ ‘Pazuva rechina, mugadzire hando gumi, makondobwe uye makwayana gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara. 24Pamwe chete nehando, namakondobwe, namakwayana, mugadzire zvipiriso zvazvo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa. 25Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo, uye nechipiriso chokunwa.

26“ ‘Pazuva rechishanu, mugadzire hando pfumbamwe, makondobwe maviri uye namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara. 27Pamwe chete nehando, makondobwe namakwayana, mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa. 28Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.

29“ ‘Pazuva rechitanhatu, mugadzire hando sere, makondobwe maviri uye makwayana makono egore rimwe chete, gumi namana, zvose zvisina kuremara. 30Pamwe chete nehando, namakondobwe uye namakwayana mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa. 31Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.

32“ ‘Pazuva rechinomwe, mugadzire hando nomwe, makondobwe maviri uye makwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara. 33Pamwe chete nehando, makondobwe namakwayana mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa. 34Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye chipiriso chokunwa.

35“ ‘Pazuva rorusere, unganai uye murege kuita basa ramazuva ose. 36Mupe chibayiro chinopiswa nomoto chive chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha, chibayiro chinopiswa chehando imwe chete, gondobwe rimwe chete namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara. 37Mugadzire hando, gondobwe namakwayana, zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvinonwiwa, maererano nouwandu hwakarayirwa. 38Muisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.

39“ ‘Kupamhidzira pamusoro pezvamakapika uye zvipo zvokupa nokuzvisarudzira, mugadzirire Jehovha izvi pamitambo yenyu yakatarwa: zvipiriso zvenyu zvinopiswa, zvipiriso zvezviyo, zvipiriso zvokunwa uye nezvipiriso zvokuwadzana.’ ”

40Mozisi akataurira vaIsraeri zvose zvaakarayirwa naJehovha.

Copyright information for SnaBDSC